Huwandu hwevana vari kubarwa hwoderera: UNFPA
Muchaneta Chimuka
HUWANDU hwevana vari kubarwa munyika dzepasi rose, kusanganisira Zimbabwe, hunonzi huri kuderera nekuda kwezvikonzero zvakadai semamiriro enyaya dzehupfumi nekusimbaradzwa kwezvirongwa zvekurera mhuri.
Izvi zvakabuda pazuva reWorld Population Day pachiitiko chakaitirwa muguta reHarare nguva pfupi yadarika.
Zuva iri rinogarocherechedzwa nomusi wa11 Chikunguru gore negore.
Gore rino, rakaitwa pasi pedingindira rinoti: “Kusimudzirwa Kwevechidiki, Kuti Vaite Mhuri Dzavanoda Munyika Ine Tariro”.
Chirongwa ichi, icho chaikotsverwa nesangano reUnited Nations Population Fund (UNFPA), chakaona zvekare kuparurwa kwe2025 State of World Population Report.
Iri igwaro rinoratidza chimiro chakaita huwandu hwevanhu pasi rose uye nyika nenyika.
Ongororo yakaitwa maringe nehuwandu hwevanhu muZimbabwe mugore ra2022, inoratidza kuti chikamu che66 percent ndeche vechidiki vane makore 30 okuberekwa zvichidzika.
Gwaro reState of the World Population Report (SWOP) riri kuratidzawo kuti kubarwa kwevana kuri kuderera pasi rose, kusanganisira muZimbabwe.
Iri rinonzi rinogona kuva dambudziko guru kana zvichitariswa kuti vechidiki ndivo vatungamiriri vemangwana uye vanobata chikamu chakakosha mukusimudzira nyaya dzebudiriro yeupfumi munyika.
Vachiparura chirongwa ichi, Gurukota rezveutano nekurerwa kwevana, Dr Douglas Mombeshora, vanoti gwaro reSWOP rine dingindira rinoti: “Dambudziko Guru Rekushaikwa Kwembereko” chinova chitsvambe kuti paitwe ongororo yekuti zviri kukonzerwa nei uye zvingafambiswe sei kuti zvigadziriswe.
“Chakakoshera ongororo dzemhando iyi ndechekuti inotitungamirira kuti tikwanise kushanda pamwe nemapoka akadai seUNFPA nevamwe mukuona kuti tingaita sei senyika. Kumwe kuderera kwekuberekwa kwevana munyika kwakaonekwa kuti kuri kukonzerwa nezvirwere zviri kubata madzimai nanababa zvakadai seBp, shuga uye vamwewo vanenge vatopfuura mazera ekubara kuchizoti vamwe vakatobarwa vasina mbereko.
“Panguva imwe cheteyo, kuderera kwekubarwa kwevana kunogona kumira semucherechedzo webudiriro huru mumabasa ari kuitwa neHurumende nevatsigiri mukusimbaradza nyaya dzekurera mhuri,” vanodaro.
Dr Mombeshora vanoti shanduko iri kuitika iyi inyevero kuHurumende kuti patorwe matanho akanakira nyika.
“Gore rapera, chiitiko cherudzi rwuno takaitira kwaNzvimbo Growth Point (kuChiweshe) icho chakaparurwa nemutungamiriri wenyika President Mnangagwa pasi pedingindira rinoti:
“Kwete Mudunhu Mangu” apo Hurumende yaikomekedza mashoko ari maringe nekurwisa nyaya dzekuroodzwa kwepwere.
Kubvira pakaparurwa chirongwa ichi, takaona kuderera kwenyaya dzekuroodzwa kwevana zvinova zvimwe zviri kubatsira mukuderera kwehuwandu hwevana vanomitiswa. Tinokoshesa utano hwevanhukadzi nekuti vakawanda vari kurasikirwa nehupenyu panguva yekubara zvichitevera zvigozhero zvinovawira, zvikuru vanasikana vasati vabva zera,” vanodaro.
Dr Mombeshora vanoti ikodzero yemunhu mumwe nemumwe kuita sarudzo yehuwandu hwevana vaanoda kubara, nguva yaanoda kuvaita uye pasina kumanikidzwa.
“Zviri mugwaro reSWOP rataparura, zvichatitungamirira kuti tifambise zvirongwa zveNational Development Strategy 2,” vanodaro.
Mumiriri weUNFPA muZimbabwe, Mai Miranda Tabifor, vanoti mamiriro enyaya dzehupfumi ndiwo mamwe ari kukonzera kuderera kwevana vari kubarwa pasi rose.
“Zvakaonekwa zvekare kuti munhu mumwe chete pakati pevashanu pasi rose haasi kukwanisa kuita vana vane huwandu hwaanoda nekutya kudhurirwa nehupenyu, kutyira nyaya dzemabasa, kushaya mudikanwi chaiye akakodzera nekudhirirwa zvekare munyaya dzeutano, pakati pezvimwe,” vanodaro.
Ongororo yakaitwa maringe nenyaya dzekubara, Total Fertility Rate, mugore ra1994 inoratidza kuti madzimai emuZimbabwe vaibara nechikamu che4.3 percent asi chiri kuenda chichiderera apo mugore ra2005 – 2023 chakenda pa3.8 percent. Pari zvino chiri pa3.9 percent, zvichibva paongororo yegore ra2023- 2024 yeZimbabwe Demographiic and Health Survey.
MuZimbabwe, mudzimai anotarisirwa kuita vana vari pakati nepakati vanokwana vana (4) mukurarama kwake (TRF 3.9 percent) apowo zvichisiyana nenzvimbo dzavanogara.
The post Huwandu hwevana vari kubarwa hwoderera: UNFPA appeared first on herald.