Varume vaponderana nzvimbo yekukuhwidzira moto
Kingstone Mapupu
VARUME vaviri vemudhorobha reZvishavane, kudunhu reMidlands vanonzi vakarwisana zvakaipisisa nekuda kwenzvimbo yekukuhwidzira moto izvo zvakazokonzera kufa kwemumwe wavo.
Nyaya iyi yakaitika nemusi wa5 Chikunguru nenguva dza5 mangwanani.
Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti akapondwa ndiTaruvinga Dhema (48) wekwaSabhuku Pius kudunhu raMambo Masunda kuZvishavane.
Ari kupomerwa kuponda ndiJemetias Manduna (34) wekwaSabhuku Manduna kwaMambo Tshovani, kuChiredzi.
Vaviri ava vose vanofungidzirwa kuti varwere vepfungwa uye vaingogara vachimberereka mumigwagwa yekuMandava vasina kumba chaiko kwekugara.
“Vakatanga kunetsana nekuda kwenzvimbo yekukuhwidzira moto kuseri kwebhawa reLaliga. Panguva iyi, Jemetias Manduna akazonhonga danda nedombo ndokutanga kurova nazvo Taruvinga Dhema mumusoro nekumeso kusvikira azvimba ndokufenda.
Mapurisa akabva aziviswa nezvenyaya iyi, Manduna achibva asungwa,” vanodaro Insp Mahoko.
Dhema akazotakurwa kuendeswa kuchipatara cheZvishavane District Hospital uko akasvika achifa.
“Tinokumbira kuruzhinji kune vanogara nevanhu vanorwara nepfungwa kuti vapote vachivaendesa kuzvipatara nekuvatorera mishonga yavanokurudzirwa kuti vanwe nanachiremba, kana kuvaendesa kuti vanogara kunzvimbo dzinochengetwa vanhu vanorwara nepfungwa,” vanodaro Insp Mahoko.
Vanoti kunze kwekukuvadzana, vane dambudziko repfungwa vanogonawo kukuvadza vamwe vanhu vanozvifambira nekukonzerawo kusagadzikana kwezvinhu munzvimbo dzavanenge vari.
“Nyaya iyi iri kufambira mberi nekufeewa uyo musungwa achitarisirwa kuendeswa kunoongororwa pfungwa nemachiremba zvionekwe kuti anokodzera here kunomira kumatare edzimhosva nekuda kwenyaya yaari kupomerwa iyi yekuponda,” vanodaro Insp Mahoko.
The post Varume vaponderana nzvimbo yekukuhwidzira moto appeared first on herald.