Makororo emukurumbira opika makore 87 mujeri
Lovemore Kadzura
MAKORORO maviri ayo akange aita mukurumbira wekubira vagari vekwaMakoni, kudunhu reManicaland – Tapiwa Enock Samungure Machona (45) naTetanda Munyaradzi Kangai (47) – svondo radarika vakabatwa nemhosva ndokutongerwa kugara mujeri pamwechete kwemakore 87.
Vaviri ava vakapara mhosva gumi neina dzehumbavha munzvimbo dzakaita seTandi, Chiwetu, Chindukiro, neMukamba uye vakaba zvinhu zvinokosha US$4 957.
Machona, wekwaSaunyama kuNyanga naKangai wekuFarm 343, kuZviyambe kuHwedza, vakaramba mhosva dzose dzavaipomerwa pavakamira pamberi pemutongi wedare kwaRusape, Muzvare Rufaro Mangwiro.
Zvisinei, muchuchisi VaTakunda Muzenda vakapa humbowo hwakadzama zvikuru pamusoro pevaviri ava, izvo zvakaita kuti vabatwe nemhosva uye ndokutongerwa kugara muhusungwa kwenguva yakareba.
Mai Mangwiro vakatemera Machona makore makumi mana nemana, ndokuzomubvisira makore makumi matatu nemana nechitsidzo chekuti anofanirwa kuripira US$3 640 kune vanhu vaakabira pamwe nekuita hunhu hwakanaka.
Izvi zvinoreva kuti achapika makore gumi azere.
Kangai akatongerwa makore makumi mana nematatu, makore makumi matatu nemana ndokusendekwa parutivi nechitsidzo chekuti anofanirwa kudzosera US$3 640.
Achapika makore mapfumbamwe azere.
VaMuzenda vakaudza dare kuti vaviri ava vakatanga kubira vagari vekwaMakoni munaChivabvu 2024 uye gava rakazodimbura musungo munaChikunguru 2024 gore rakare apo vakadonhedza nharembozha yaive nemifananidzo yaKangai, matikitivha akaishandisa kuvaronda ndokuzovasunga.
“Musi wa5 Chivabvu, 2024 nenguva dza1 mangwanani, vanhu vari kupomerwa mhosva iyi vakaenda kumba kwaMai Pamela Makwaya, kuChiwetu Village, vakasvikopwanya fafitera vachishandisa chimuti, Machona achibva apinda mumba, Kangai akasara panze. Akabvarura ketani iro akashandisa kusunga Mai Makwanya maoko nemakumbo.
“Machona akaba nharembozha ina, US$70, terevhizheni nemuchina wekugera ndebvu. Mushure mekuba, Machona akatora makiyi emba yemumhan’ari ndokukiinura gonhi guru ndokuenda. Zvinhu zvakabiwa zvinokosha US$672 asi ndokuburwa zveUS$10 chete.
“Musi wa18 Chivabvu, 2024 nenguva dza1:30 mangwanani, vasungwa vakaenda kumba kwaMai Sandra Chingwena uko vakanopwanya gonhi vachishandisa dombo guru, ndokupinda vakabata banga nemupinyi webadza, ndokutyisidzira mumhan’ari kuti vanoda kumuuraya vachiti vanoda mari. Vakaba US$881 asi US$135 chete ndiyo yakaburwa,” vanodaro VaMuzenda.
Vakabirawo mumwe munhu nevadzidzi vatatu vepaNyakuipa High School vachishandisa nzira imwe cheteyo.
Vaviri ava vakazoba midziyo yemumba, nharembozha nezvimwe zvakasiyana kune dzimwe nzvimbo mudunhu rekwaMakoni kusvikira pavakazobatwa apo Kangai akadonhedza nharembozha yake iyo yakazoshandiswa nemapurisa kuvaronda.
The post Makororo emukurumbira opika makore 87 mujeri appeared first on herald.