Batsirai murume ayaura negomarara
Muchaneta Chimuka
MURUME ane makore 62 okuberekwa wekuBudiriro 5B, muHarare ari kuyaura nemarwadzo zvichitevera dambudziko regomarara remuura pamwe nereduriro (Gastric neProstate cancer) nekudaro ari kutsvaga rubatsiro rwemari yekurapwa pamwechete neruyamuro rwechikafu sezvo angova munhu wepanhowo zvichitevera kukomba kwehurwere uhwu.
VaEdward Francis Muranganwa vanoti vakatanga vachirwadziwa nebudumbu uye vachirutsa asi vachienda kuchipatara vachingotaurirwa kuti pamwe vane maronda emudumbu kana kuti yaive mvura yakasviba yavaishandisa mukunwa zvisinei nekuti zvaisava izvo.
“Ndakaramba ndichirapwa chirwere chemanyoka izvo ndaitorera chirwere chegomarara nekuti ndainge ndisina kuvhenekwa. Gomarara iri rakavhenekwa mumwedzi waMbudzi muna2023 ndikazovhiiwa munaNdira gore rino. Ndakazoenda zvekare ndikanovhiiwa kechipiri mumwedzi waKukadzi, machiremba akati ndine gomarara remudumbu rinova ratokomba sezvo ratova paStage 4 asi vakati havasi kuribvisa rese nekuti ringazoramba richikura,” vanodaro.
Vanoti pakuzvibatsira, vanoshandisa chubhu ine chibhegi (colostrum pack) iyo inofamba netsvina mushure mekuboorwa padumbu nemachiremba sezvo vasisakwanisi kuzvibatsira vega.
“Ndiri kurwadziwa zuva nezuva hama dzangu, kana paine vanokwanisa kundibatsira ndapota ndinokutendai nemweya waMwari. Ndinogara panhamba 8061 Budiriro 5B, Man’ono Crescent, Harare kana paine vanodawo kundiona. Handisi kukwanisa kudya nekuti ndikangodya chikafu kana kunwa mvura dumbu rinowedzera kuzvimba uye ndinorutsa pakarepo. Ndiri kufanira zvekare kuitwa CT Scan asi mari handina. Ndiri panguva yakaoma. Ndinofanira kubaiwa majekiseni emarwadzo anoita kuti ndikwanise kurara pamwe nekupota ndichiendeswa kuSally Mugabe Central Hospital kunotariswa asi mari yacho handina,” vanodaro.
Vangada kubatsira VaMuranganwa vanovabata panhamba dzinoti: 071393856 kana kuti 0774870205 dzeEcocash dzinova dzemudzimai wavo, Mai Patricia Muranganwa.
VaMuranganwa vanoti dzimwe hama dzavo dzaimbovabatsira dzakati rubatsiro rwadzakavapa rwakatokwana sezvo dziri kuomerwawo nehupenyu.
“Kuti ndiitwe CT Scan kuWestend Clinic pari kudiwa US$350, panozodiwa mari yekuti ndipote ndichinopiswa masero egomarara (chemotherapy) uye mishonga. Ndiri munhu ane mhuri yainge yakatarisawo kwandiri asi nehurwere zvinorwadza kuti handichakwanisi kuriritira mhuri yangu,” vanodaro.
VaMuranganwa vane vana 4 nevazukuru 4 zvekare uye dangwe ravo munhu akaremara kureva kuti mudzimai wavo ari panguva yakaoma pekupepa murwere nekuchengetawo mwana akaremara.
The post Batsirai murume ayaura negomarara appeared first on herald.